2 Peter 1

Kwaziso

1Simoni Petro, muranda nemuapositori waJesu Kristu, kune avo vakawana rutendo rwunokosha rwakafanana nerwedu mukururama kwaMwari wedu neMuponesi wedu Jesu Kristu: 2Nyasha nerugare ngazviwanzwe kwamuri paruzivo rwaMwari nerwaJesu Ishe wedu. 3Sesimba rake reuMwari rakatipa zvinhu zvese zveupenyu nekunamata Mwari kubudikidza neruzivo rwaiye wakatidana kubudikidza nekubwinya uye kunaka; 4akatipa nazvo zvivimbiso zvikurusa uye zvinokosha; kuti naizvozvi muve vagovani vechizvarirwo cheuMwari, mapukunyuka kuora kuri panyika kubudikidza nekuchiva.

Shingairai pauKristu

5Zvino nekuda kweizviwo maita kushingaira kwese, wedzerai parutendo rwenyu kunaka, nepakunaka ruzivo, 6neparuzivo kuzvidzora, nepakuzvidzora moyo murefu, nepamoyo murefu kunamata Mwari, 7nepakunamata Mwari rudo rwehama, neparudo rwehama, rudo. 8Nokuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, uye zvichiwanda, hazvikuitii vasingashandi kana vanoshaiwa zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu. 9Nokuti asina zvinhu izvi, ibofu, anoonera pedo, wakanganwa kunatswa kwezvivi zvake zvekare. 10Naizvozvo, hama, shingairai zvikuru kusimbisa kudanwa nekusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita zvinhu izvi hamungatongogumburwi narinhi. 11Nokuti saizvozvo muchawedzerwa zvakanyanya kupinda muushe husingaperi hwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu. 12Naizvozvo handingashaiwi hanya nekukuyeudzirai zvinhu izvi nguva dzese, kunyange muchiziva, uye makasimbiswa pachokwadi chiripo. 13Uye ndinoona zvakanaka kuti kana ndichingori mutabhenakeri ino chete ndikumutsei nechiyeuchidzo; 14ndichiziva kuti kunokurumidza kubviswa kwetabhenakeri yangu, Ishe wedu Jesu Kristuwo sezvaakandiratidza. 15Asi neni ndichashingaira kuti nguva dzese shure kwekuenda kwangu muve nechiyeuchidzo chezvinhu izvi. 16Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nenjere patakakuzivisai simba nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takange tiri vakazvionera kubwinya kwake. 17Nokuti wakagamuchira kubva kuna Mwari Baba rukudzo nekubwinya, inzwi rakadai parakasvika kwaari pakubwinya kukuru-kuru richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodika, wandinofara maari ini; 18uye inzwi iri isu takarinzwa richibva kudenga pataiva naye mugomo dzvene. 19Uye tine shoko rakasimba kwazvo rechiporofita, ramunoita zvakanaka muchirichenjerera sekumwenje unovhenekera panzvimbo ine rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mumoyo yenyu; 20muchiziva izvi pakutanga, kuti hakuna chiporofita cherugwaro chinobva mududziro yemwene wacho. 21Nokuti hakuna kumbouyiswa chiporofita nechido chemunhu, asi vanhu vatsvene vaMwari vakataura vachisundwa neMweya Mutsvene.

Copyright information for Shona